Romans 3

Kutendeka kwaMwari

1Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko? 2Zvizhinji nemitoo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo.

3Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? 4Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura,
uye mukunde pakutonga kwenyu.”
5Asi kana kusarurama kwedu kuchiratidza kururama kwaMwari zvinonyatsoonekwa, tichatiiko? Kuti Mwari haana kururama here kana achiisa hasha dzake pamusoro pedu? (Ndiri kutaura namatauriro avanhu). 6Kwete kwete! Dai zvanga zviri izvo, Mwari aizotonga nyika seiko? 7Mumwe anogona kuti, “Zvino kana nhema dzangu dzichiita kuti chokwadi chaMwari chionekwe uye zvichizowedzera kukudzwa kwake, ko, sei ndichizotongwa somutadzi?” 8Ticharegerereiko kutaura sezvatinopomerwa, uye sezvinoreva vamwe vachiti tinoti, “Ngatiitei zvakaipa kuti zvakanaka zvibudepo”? Kutongwa kwavo kwakavafanira.

Hakuna kana mumwe akarurama

9Zvino tichatiiko? Tinovapfuura here? Kwete napaduku pose! Nokuti tambopa vose mhosva, vaJudha neveDzimwe Ndudzi, yokuva pasi pechivi. 10Sezvazvakanyorwa zvichinzi:

“Hakuna akarurama, kunyange nomumwe;
11hakuna anonzwisisa,
hakuna anotsvaka Mwari.
12Vose vakatsauka,
vose pamwe chete vakava vasina maturo;
hakuna kana mumwe anoita zvakanaka,
kana mumwe zvake.”
13“Huro dzavo makuva akashama;
ndimi dzavo dzinotaura unyengeri.”
“Uturu hwenyoka huri pamiromo yavo.”
14“Miromo yavo izere nokutuka nokuvava.”
15“Tsoka dzavo dzinokurumidza kuteura ropa;
16kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,
17Uye nzira yorugare havaizivi.”
18“Kutya Mwari hakupo pamberi pavo.”
19Zvino tinoziva kuti zvose zvinorehwa nomurayiro, unozvitaura kuna avo vari pasi pomurayiro, kuitira kuti miromo yose ishayiswe chokutaura uye kuti nyika yose ive nemhosva pamberi paMwari. 20Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.

Kururama kubudikidza nokutenda

21Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. 22Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano, 23nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari, 24uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu. 25Mwari akamupa iye sechibayiro chokuyananisa kubudikidza nokutenda muropa rake. Akaita izvi kuti aratidze kururamisira kwake, nokuti mukuita mwoyo murefu kwake akaregerera hake zvivi zvakaitwa kare. 26Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.

27Zvino kuzvikudza kuripiko? Kwabviswa. Nomurayiro upiko? Wokuchengetedza murayiro here? Kwete, asi nomurayiro wokutenda. 28Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro. 29Ko, Mwari ndiMwari wavaJudha voga here? Ko, haazi Mwari weveDzimwe Ndudziwo here? Hongu ndoweveDzimwe Ndudziwo, 30sezvo kuna Mwari mumwe chete uyo acharuramisira vakadzingiswa nokutenda uye vasina kudzingiswa kubudikidza nokutenda kumwe cheteko. 31Zvino tinobvisa murayiro nokutenda uku here? Kwete napaduku! Asi, tinosimbisa murayiro.

Copyright information for SnaBDSC